13. Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene.
14. Ndichakwira pamusorosoro pamakore; ndichazviita soWokumusoro-soro.”
15. Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzikadzika kwegomba.
16. Vose vanokuona vanokunan'anidza, vachafungisisa zvamagumo ako vachiti, “Ndiye here murume uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe,
17. murume akaita kuti nyika ive gwenga, akaparadza maguta ayo, akasatendera vasungwa vake kudzokera kumusha?”