Hosea 5:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori.

2. Vapanduki vari mushishi rokuuraya. Ndichavaranga vose.

3. Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu; Israeri haina kuvanzika kwandiri. Efuremu, watendeukira zvino kuufeve; Israeri avora.

4. “Zviito zvavo hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo. Mweya woufeve uri mumwoyo yavo; Havazivi Jehovha.

Hosea 5