Hosea 1:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.”

8. Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana.

9. Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamuzi vanhu vangu, uye ini handizi Mwari wenyu.

Hosea 1