Genesisi 9:26-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Akatiwo, “Ngaakudzwe Jehovha, Mwari waShemu! Kenani ngaave muranda waShemu.

27. Mwari ngaakurise nyika yaJafeti; Jafeti ngaagare mumatende aShemu, uye Kenani ngaave muranda wake.”

28. Shure kwamafashamu, Noa akararama kwamakore mazana matatu namakumi mashanu.

29. Pamwe chete, Noa akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi mashanu, uye akafa.

Genesisi 9