2. Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.”
3. Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti.
4. Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama kwamakore mazana masere uye akaberekazve vamwe vanakomana navanasikana.
5. Pamwe chete, Adhamu akararama kwamakore mazana mapfumbamwe namakumi matatu, uye ipapo akafa.
6. Seti akati agara makore zana namashanu, akabereka Enoshi.
7. Uye shure kwokubereka kwake Enoshi, Seti akararama kwamakore mazana masere namanomwe uye akavazve navamwe vanakomana navanasikana.
8. Pamwe chete, Seti akararama kwamakore mazana mapfumbamwe negumi namaviri, uye ipapo akafa.
9. Enoshi akati ararama kwamakore makumi mapfumbamwe, akabereka Kenani.