Genesisi 49:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. “Bhenjamini ibere rinoparadza, mangwanani anodya nyama, madekwana anogovera zvaapamba.”

28. Ava vose ndiwo marudzi gumi namaviri aIsraeri, uye izvi ndizvo zvakataurwa nababa vavo kwavari pavakavaropafadza, vachipa mumwe nomumwe kuropafadzwa kwakamufanira.

29. Ipapo akavarayira akati, “Ini ndava kuzosanganiswa navanhu vokwangu. Mundivige namadzibaba angu mubako mumunda waEfuroni muHiti,

Genesisi 49