1. Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.
2. “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho; teererai kuna baba venyu Israeri.
3. “Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, unokunda mukukudzwa, unokunda musimba.
4. Unozunguzika semvura zhinji, hauchazokundizve, nokuti wakakwira panhoo yababa vako, wakakwira panhoo yangu uye ukaisvibisa.