Genesisi 49:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jakobho akadana vanakomana vake akati, “Unganai kuti ndikuudzei zvichaitika kwamuri pamazuva anouya.

2. “Unganai muteerere, imi vanakomana vaJakobho; teererai kuna baba venyu Israeri.

3. “Rubheni, iwe uri dangwe rangu, simba rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, unokunda mukukudzwa, unokunda musimba.

Genesisi 49