Genesisi 36:30-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. Dishoni, Ezeri naDhishani. Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.

31. Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:

32. Bhera mwanakomana waBheori akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.

33. Bhera akati afa, Jobhabhi mwanakomana waZera aibva kuBhozira akamutevera paumambo.

34. Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.

Genesisi 36