Genesisi 3:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Richakuberekera minzwa norukato, uye uchadya miriwo yomusango.

19. Neziya rechiso chako uchadya zvokudya zvako kusvikira wadzokera kuguruva, sezvo wakatorwa kwariri; nokuti uri guruva, kuguruva uchadzokera.”

20. Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.

21. Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza.

Genesisi 3