Genesisi 23:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.”

5. VaHiti vakapindura Abhurahama vakati,

6. “Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”

7. Ipapo Abhurahama akasimuka uye akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika, ivo vaHiti.

Genesisi 23