Genesisi 23:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Sara akararama akasvika makore zana namakumi maviri namanomwe okuberekwa.

2. Akafira paKiriati Abha (ndiro Hebhuroni) munyika yeKenani, uye Abhurahama akandochema Sara uye akaungudza pamusoro pake.

3. Ipapo Abhurahama akasimuka kubva parutivi pomukadzi wake akanga afa akandotaura navaHiti, akati,

4. “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.”

5. VaHiti vakapindura Abhurahama vakati,

6. “Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”

Genesisi 23