Genesisi 23:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Sara akararama akasvika makore zana namakumi maviri namanomwe okuberekwa.

2. Akafira paKiriati Abha (ndiro Hebhuroni) munyika yeKenani, uye Abhurahama akandochema Sara uye akaungudza pamusoro pake.

3. Ipapo Abhurahama akasimuka kubva parutivi pomukadzi wake akanga afa akandotaura navaHiti, akati,

4. “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.”

Genesisi 23