Genesisi 21:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.”

24. Abhurahama akati, “Ndinopika.”

25. Ipapo Abhurahama akagunun'una kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki.

Genesisi 21