1. Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.
2. Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari.
3. Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka.
4. Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari.
5. Abhurahama akanga ava namakore okuberekwa zana paakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.