3. Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari,
4. “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji.
5. Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji.
6. Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri.
7. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera.