3. Madzimambo ose akatevera aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu).
4. Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri kwamakore gumi namaviri, asi vakamumukira mugore regumi namatatu.
5. Mugore regumi namana, Kedhoraomeri namadzimambo ainzwana naye vakabuda vakandokunda vaRefaiti muAshiteroti Kanaimi, ivo vaZuzi muHamu, vaEmi muShavhe Kiriataimi
6. navaHori munyika yezvikomo yeSeiri, kusvikira kuEri Parani pedyo negwenga.
7. Ipapo vakadzokera vakaenda kuEni Mishipati (ndiro Kadheshi), uye vakakunda nyika yose yavaAmareki, pamwe chete navaAmori vakanga vachigara muHazazoni Tamari.