1. Panguva iyoyo Amuraferi mambo weShinari, Arioki mambo weErasa, Kedhoraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoyimi
2. vakaenda kundorwa naBhera mambo weSodhomu, Bhirisha mambo weGomora, Shinabhi mambo weAdhima, Shemebheri mambo weZebhoyimi, uye namambo weBhera (ndiro Zoari).
3. Madzimambo ose akatevera aya akabatana pakurwa muMupata weSidhimi (ndiro Gungwa roMunyu).
4. Vakanga vari varanda vaKedhoraomeri kwamakore gumi namaviri, asi vakamumukira mugore regumi namatatu.
5. Mugore regumi namana, Kedhoraomeri namadzimambo ainzwana naye vakabuda vakandokunda vaRefaiti muAshiteroti Kanaimi, ivo vaZuzi muHamu, vaEmi muShavhe Kiriataimi
6. navaHori munyika yezvikomo yeSeiri, kusvikira kuEri Parani pedyo negwenga.
7. Ipapo vakadzokera vakaenda kuEni Mishipati (ndiro Kadheshi), uye vakakunda nyika yose yavaAmareki, pamwe chete navaAmori vakanga vachigara muHazazoni Tamari.
8. Ipapo mambo weSodhomu, mambo weGomora, mambo weAdhima, mambo weZebhoimi namambo weBhera (ndiro, Saori) vakabuda vakamira panzvimbo yavo yehondo muMupata weSidhimi
9. kuti varwe naKedhoraomeri mambo weEramu, Tidhari mambo weGoyimi, Amuraferi mambo weShinari naArioki mambo weErasa, madzimambo mana achirwa namadzimambo mashanu.