1. Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu.
2. Vanakomana vaJafeti vanoti: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi.
3. Vanakomana vaGomeri vanoti: Ashikenazi, Rifati naTogarima.
4. Vanakomana vaJavhani vanoti: Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhonimi.
5. (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba dzavo pakati pendudzi dzavo, rudzi rumwe norumwe nomutauro warwo.)
6. Vanakomana vaHamu vanoti: Kushi, Miziraimi, Puti naKenani.
7. Vanakomana vaKushi vanoti: Sebha, Havhira, Sabhata, Rama naSabhuteka. Vanakomana vaRaama vanoti: Shebha naDhedhani.
8. Kushi akanga ari baba vaNimirodhi, uyo akanga ari murwi ane simba panyika.
9. Akanga ari muvhimi mukuru pamberi paJehovha; ndokusaka zvichinzi, “SaNimirodhi, muvhimi mukuru pamberi paJehovha.”
10. Maguta okutanga oumambo hwake akanga ari Bhabhironi, Ereki, Akadhi neKarine, munyika yeShinari.