Genesisi 1:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi.

17. Mwari akazviisa panzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika,

18. kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

19. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

Genesisi 1