1. Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi:
2. kuzvizvarwa zvaFinehasi, Gerishomi; kuzvizvarwa zvaItamari, Dhanieri; kuzvizvarwa zvaDhavhidhi, Hatushi
3. akabva kuzvizvarwa zvaShekania; kuzvizvarwa zvaParoshi, Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu;
4. kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu, Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri;
5. kuzvizvarwa zvaZatu, Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu;
6. kuzvizvarwa zvaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu;
7. kuzvizvarwa zvaEramu, Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe;
8. kuzvizvarwa zvaShefatia, Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere;