1. Ava ndivo vakuru vemhuri naavo vakanyorwa pamwe chete navo vakauya pamwe chete neni kubva kuBhabhironi panguva yokutonga kwaMambo Atazekisesi:
2. kuzvizvarwa zvaFinehasi, Gerishomi; kuzvizvarwa zvaItamari, Dhanieri; kuzvizvarwa zvaDhavhidhi, Hatushi
3. akabva kuzvizvarwa zvaShekania; kuzvizvarwa zvaParoshi, Zekaria, uye pamwe chete naye kwakanyorwa varume zana namakumi mashanu;
4. kuzvizvarwa zvaPahati-Moabhu, Eriehoenai mwanakomana waZekaria, uye pamwe chete naye varume mazana maviri;
5. kuzvizvarwa zvaZatu, Shekania mwanakomana waJahazieri, uye pamwe chete naye varume mazana matatu;
6. kuzvizvarwa zvaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani, uye pamwe chete naye varume makumi mashanu;
7. kuzvizvarwa zvaEramu, Jeshaya mwanakomana waAtaria uye pamwe chete naye varume makumi manomwe;
8. kuzvizvarwa zvaShefatia, Zebhadhia mwanakomana Mikaeri, uye pamwe chete naye varume makumi masere;
9. kuzvizvarwa zvaJoabhu, Obhadhia mwanakomana waJehieri, uye pamwe chete naye varume mazana maviri negumi navasere;
10. kuzvizvarwa zvaBhani, Sheromiti mwanakomana waJosifia, uye pamwe chete naye varume zana namakumi matanhatu;
11. kuzvizvarwa zvaBhebhai, Zekaria mwanakomana waBhebhai, uye pamwe chete naye varume makumi maviri navasere;
12. kuzvizvarwa zvaAzigadhi, Johanani mwanakomana waHakatani, uye pamwe chete naye varume zana negumi;
13. kuzvizvarwa zvaAdhonikami, ivo vokupedzisira, mazita avo vaiti Erifereti, Jeuyeri naShemaya, uye pamwe chete navo varume makumi matanhatu;
14. kuzvizvarwa zvaBhigivhai, Utai naZakuri, uye pamwe chete navo varume makumi manomwe.