Ezira 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rokutanga raSirasi mambo wePezhia, shoko raJehovha rakataurwa nomuromo waJeremia kuti rizadziswe, Jehovha akamutsa mwoyo waSirasi mambo wePezhia, kuti aite chiziviso munyika yake yose uye akaita kuti chinyorwe chichiti:

2. “Zvanzi naSirasi mambo wePezhia, ‘Jehovha, Mwari wokudenga akandipa ushe hwose hwapanyika uye akandigadza kuti ndimuvakire temberi paJerusarema muJudha.

3. Ani naani wavanhu vake ari pakati penyu, Mwari wake ngaave naye, uye regai aende zvake kuJerusarema kuJudha andovaka temberi yaJehovha, Mwari waIsraeri, iye Mwari anogara muJerusarema.

4. Zvino vanhu vagere panzvimbo ipi neipi zvayo pagere vakasara vanofanira kumupa sirivha negoridhe, nenhumbi nezvipfuwo, uye vagomupa zvipo zvavanozvidira zvetemberi yaMwari muJerusarema.’ ”

Ezira 1