Ezekieri 5:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi.

2. Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chetatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chetatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chetatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa.

Ezekieri 5