1. “Aya ndiwo marudzi akanyorwa, namazita awo: kurutivi rwokumuganhu wokumusoro, Dhani achava nomugove mumwe chete; uchange uchitevedza mugwagwa weHetironi kusvika kuRebho Hamati; Hazari Enani nomuganhu wokumusoro kweDhamasiko, pedyo neHamati, zvichava chikamu chomuganhu wavo unobva kurutivi rwokumabvazuva kusvikira kurutivi rwokumavirira.
2. “Asheri achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaDhani kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
3. “Nafutari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaAsheri kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
4. “Manase achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaNafutari kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
5. “Efuremu achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaManase kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
6. “Rubheni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaEfuremu kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.
7. “Judha achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaRubheni kubva kumabvazuva kusvikira kumavirira.