Akayerazve chimwe chiuru chimwe chete, asi iye zvino rwakanga rwava rwizi rwandakanga ndisingagoni kuyambuka, nokuti mvura yakanga yawanda uye yakanga yadzika zvokuti munhu angashambira mairi, rwizi rwakanga rusina munhu angaruyambuka.