Ezekieri 32:5-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ndichayanika nyama yako pamakomo, ndigozadza mipata nezvitunha zvako.

6. Ndichadiridza nyika neropa rako rinenge richiyerera kusvikira kumakomo, uye nzizi dzichazadzwa nenyama yako.

7. Pandichakudzima, ndichafukidza matenga uye ndichasvibisa nyeredzi; ndichafukidza zuva mugore, uye mwedzi haungabudisi chiedza chawo.

8. Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

9. Ndichatambudza mwoyo yavanhu vazhinji, pandichauyisa kuparadzwa kwako pakati pendudzi, pakati penyika dzausina kumboziva.

Ezekieri 32