Ezekieri 27:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vakaita matanda okukwasva nawo omuouki aibva kuBhashani; namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.

7. Maseiri ako akanga ari omucheka wakaisvonaka wakarukwa waibva kuIjipiti, uye wakashandiswa somureza wako; zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru, zvaibva kuzviwi zveErisha.

8. Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako; mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.

9. Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo, savavaki vechikepe kuti vagadzirire vakwasvi vako. Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.

10. “ ‘Vanhu vokuPezhia, neRidhia nePuti vakashanda savarwi muhondo yako. Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako, vachikuvigira mbiri.

11. Vanhu vokuArivhadhi nevokuHereki vakakomba masvingo ako kumativi ose; vanhu vokuGamadhi vakanga vari mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako; vakaita kuti runako rwako rukwane.

12. “ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.

Ezekieri 27