Ezekieri 25:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. uye ndicharanga Moabhu. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

12. “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Nokuda kwokuti Edhomu akatsiva pamusoro peimba yaJudha vakava nemhosva huru pakuita izvozvo,

13. naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peEdhomu ndigouraya vanhu vose varo nezvipfuwo zvavo. Ndichariparadza uye kubva kuTemani kusvika kuDhedhani vachaurayiwa nomunondo.

Ezekieri 25