1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2. “Mwanakomana womunhu, misa chinofananidzira utaurire imba yaIsraeri mufananidzo.
3. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Gondo guru rina mapapiro ane simba, rina manhenga marefu uye rizere namambava ana mavara mavara rakasvika kuRebhanoni. Rakabata musoro womusidhari,
4. rikagura davi rokumusorosoro rikaenda naro kure kunyika yavashambadziri, ndokungorisima muguta ravatengesi.