Ekisodho 40:27-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. uye akapisa zvinonhuwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

28. Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.

29. Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

30. Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri,

31. uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo.

32. Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

33. Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa.

34. Ipapo gore rakafukidza Tende Rokusangana, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.

35. Mozisi haana kugona kupinda muTende Rokusangana nokuti gore rakanga ragara pariri, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.

36. Mukufamba kwose kwavaIsraeri, pose paisimuka gore kubva pamusoro petabhenakeri, ivo vaisimuka vachienda;

37. asi kana gore risina kubva, vakanga vasingafambi, kusvikira pazuva rarinosimuka.

38. Saka gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati; uye moto wakanga uri mugore usiku, pamberi peimba yose yaIsraeri panguva yokufamba kwavo kwose.

Ekisodho 40