Ekisodho 40:20-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo.

21. Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha.

22. Mozisi akaisa tafura muTende Rokusangana nechokurutivi rwokumusoro kwetabhenakeri kunze kwechidzitiro

23. uye akaisa chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

24. Akaisa chigadziko chomwenje muTende Rokusangana chakatarisana netafura nechokurutivi rwezasi rwetabhenakeri

25. uye akamisa mwenje pamberi paJehovha, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

26. Mozisi akaisa aritari yegoridhe muTende Rokusangana pamberi pechidzitiro,

27. uye akapisa zvinonhuwira pairi, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

28. Ipapo akaisa chidzitiro pamukova wetabhenakeri.

29. Akamisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pedyo nomukova wetabhenakeri, Tende Rokusangana, akapa pairi zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, sokurayirwa kwaakaitwa naJehovha.

30. Akaisa dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari uye akaisa mvura yokushamba mariri,

31. uye Mozisi naAroni navanakomana vake vakaishandisa kushamba maoko avo netsoka dzavo.

32. Vaishamba pose pavaipinda muTende Rokusangana kana kuswedera paaritari, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

33. Ipapo Mozisi akaita ruvazhe rwakapoteredza tabhenakeri nearitari uye akaturika chidzitiro pamukova wokupinda muruvazhe. Nokudaro Mozisi akapedza basa.

Ekisodho 40