Ekisodho 40:2-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. “Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga.

3. Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro.

4. Upinze tafura ugoisa zvinhu zvayo pairi. Ipapo ugopinza chigadziko chomwenje ugomisa mwenje yacho.

5. Uise aritari yezvinonhuwira yegoridhe pamberi peareka yechipupuriro uye ugoisa chidzitiro pamukova wokupinda mutabhenakeri.

6. “Uise aritari yezvipiriso zvinopiswa pamberi pomukova wokupinda kutabhenakeri, Tende Rokusangana;

7. uise dhishi pakati peTende Rokusangana nearitari ugoisa mvura mariri.

8. Ugadzire ruvazhe rwakaipoteredza uye ugoisa chidzitiro pamukova woruvazhe.

9. “Utore mafuta okuzodza ugozodza tabhenakeri nezvinhu zvose zvirimo; uinatse nenhumbi dzayo dzose, uye ichava tsvene.

10. Ipapo ugozodza aritari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose; unatse aritari, uye ichava tsvene-tsvene.

11. Uzodze dhishi nechigadziko charo ugozvinatsa.

12. “Uuye naAroni navanakomana vake kumukova weTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.

13. Ipapo ugopfekedza Aroni nguo tsvene, umuzodze uye ugomunatsa kuti agondishumira somuprista.

14. Uuyise vanakomana vake ugovapfekedza majasi.

Ekisodho 40