Ekisodho 38:6-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Vakaita mapango omuti womuakasia vakaafukidza nendarira.

7. Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaita namapuranga, isina chinhu mukati.

8. Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana.

9. Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zanac uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakaisvonaka uye wakarukwa,

10. namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda.

11. Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.

12. Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanud paupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.

13. Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu.

14. Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanue zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu,

15. uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu.

16. Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa wakaisvonaka.

17. Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha.

Ekisodho 38