13. Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu.
14. Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanue zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu,
15. uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu.
16. Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa wakaisvonaka.
17. Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha.