9. mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
10. “Vose vane unyanzvi pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
11. tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
12. areka namapango ayo uye chifunhiro chokuyananisa uye chidzitiro chinodzivirira;
13. tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuvapo;
14. chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
15. aritari yezvinonhuwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
16. aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
17. zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
18. hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
19. nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”
20. Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,
21. uye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene.
22. Vose vakanga vachida zvose varume navakadzi, vakauya nezvishongo zvegoridhe zvemhando dzose zvaiti: zvikorekedzo, mhete dzenzeve, mhete uye nezvishongo zvoukomba. Vose vakapa goridhe ravo sechipiriso chokuninira kuna Jehovha.
23. Munhu wose akanga aine wuru yebhuruu, pepuru kana tsvuku kana mucheka wakaisvonaka, kana mvere dzembudzi, matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku kana matehwe emombe dzomugungwa, vakauya nazvo.