3. Musabatidze moto panzvimbo ipi zvayo yamugere pazuva reSabata.”
4. Mozisi akati kuungano yose yavaIsraeri, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha:
5. Kubva pane zvamunazvo, mutore chipiriso chaJehovha. Ani naani anoda ngaauyise kuna Jehovha chipiriso chegoridhe, sirivha uye nendarira;
6. wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka; mvere dzembudzi;
7. matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia;
8. mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvamafuta okuzodza uye namafuta anonhuwira kwazvo;
9. mabwe eonikisi namamwe mabwe anokosha okuisa paefodhi nechidzitiro chechipfuva.
10. “Vose vane unyanzvi pakati penyu ngavauye vazogadzira zvinhu zvose zvakarayirwa naJehovha:
11. tabhenakeri netende rayo uye nechifukidzo chayo, zvikorekedzo, mapuranga, mbariro, mapango nezvigadziko;
12. areka namapango ayo uye chifunhiro chokuyananisa uye chidzitiro chinodzivirira;
13. tafura namapango ayo uye midziyo yayo yose uye nechingwa choKuvapo;
14. chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;
15. aritari yezvinonhuwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;
16. aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;
17. zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;
18. hoko dzetende retabhenakeri uye dzeparuvazhe, netambo dzacho;
19. nguo dzakarukwa dzinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene yaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.”
20. Ipapo ungano yose yavaIsraeri yakabva pamberi paMozisi,