Ekisodho 35:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho, mwenje namafuta omwenje;

15. aritari yezvinonhuwira namapango ayo, mafuta okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo; chidzitiro chapamukova wokupinda kutabhenakeri;

16. aritari yezvipiriso zvinopiswa pamwe chete nechiparo chacho chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; mudziyo wokushambira wendarira nechigadziko chawo;

17. zvidzitiro zvaparuvazhe namatanda azvo nezvigadziko, uye chidzitiro chomukova wokupinda paruvazhe;

Ekisodho 35