Ekisodho 28:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Idzi ndidzo nguo dzavanofanira kuita: chidzitiro chapa chipfuva, efodhi, jasi, nenguo yakarukwa, nengowani uye ndaza. Vanofanira kuitira mukoma wako Aroni navanakomana vake, nguo tsvene idzi.

5. Uvaite kuti vashandise wuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku uye mucheka wakaisvonaka.

6. “Vaite efodhi yewuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romunhu ano umhizha.

7. Ngaive namapenga maviri apamapfudzi akabatanidzwa pamakona ayo maviri, kuitira kuti igogona kubatanidzwa.

8. Bhanire rayo rakarukwa noumhizha rinofanira kufanana nayo, rive rebenga rimwe chete neefodhi uye rakagadzirwa newuru yegoridhe, nebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.

9. “Utore mabwe maviri eonikisi ugonyora runyoro rwakatemwa pamusoro pawo mazita avanakomana vaIsraeri

Ekisodho 28