Ekisodho 24:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Iye akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhu naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe,

2. asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.”

3. Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.”

Ekisodho 24