1. Ipapo Iye akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhu naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe,
2. asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.”
3. Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.”