Ekisodho 18:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka.

18. Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetsa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga.

19. Nditeerere iye zvino uye ndichakupa zano, uye Mwari ngaave newe. Iwe unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye iwe ugouyisa magakava avo kwaari.

20. Uvadzidzise mitemo uye mirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita.

Ekisodho 18