1. Ipapo Mozisi navaIsraeri vakaimba rwiyo urwu kuna Jehovha:“Ndichaimbira Jehovha, nokuti iye anokudzwa zvikurukuru. Bhiza nomutasvi waro akazvikanda mugungwa.
2. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye ava ruponeso rwangu. Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza, Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza.
3. Jehovha imhare; Jehovha ndiro zita rake.
4. Ngoro dzaFaro nehondo yake akazvikanda mugungwa. Machinda aFaro akanakisisa akanyudzwa muGungwa Dzvuku.
5. Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura kwakadzika sedombo.
6. “Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakakudzwa nesimba. Ruoko rwenyu rworudyi, imi Jehovha, rwakaparadza muvengi.”