Ekisodho 1:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Aya ndiwo mazita avanakomana vaIsraeri vakaenda naJakobho kuIjipiti, mumwe nomumwe nemhuri yake:

2. Rubheni, Simeoni, Revhi naJudha;

3. Isakari, Zebhuruni naBhenjamini;

4. Dhani naNafutari; Gadhi naAsheri.

5. Zvizvarwa zvose zvaJakobho zvakanga zviri makumi manomwe pakuwanda; Josefa akanga atova muIjipiti.

6. Zvino Josefa nehama dzake dzose navose vezera iroro vakafa,

7. asi vaIsraeri vakaberekana vakawanda zvikuru uye vakava vazhinji kwazvo, zvokuti nyika yakanga yazara navo.

Ekisodho 1