1. Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati,“Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muitevere
2. Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhu.
3. Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano.
4. Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo.
5. Panguva iyo ndakanga ndimire pakati paJehovha nemi kuti ndizivise kwamuri shoko raJehovha, nokuti makanga muchitya moto mukasakwira mugomo. Uye iye akati,