10. Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhu, paakati kwandiri, “Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo.”
11. Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru.
12. Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi ramashoko asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga.
13. Iye akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, iyo akakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
14. Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu.
15. Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhu ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru,
16. kuita kuti murege kuzvishatisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingave chakaitwa somurume kana somukadzi,
17. kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga,
18. kana sechisikwa chipi zvacho chinofamba pasi kana hove ipi zvayo iri pasi mumvura.
19. Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga.
20. Asi kana muri imi, Jehovha akakutorai akakubudisai muchoto chamatare, akakubudisai muIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.
21. Jehovha akanditsamwira nokuda kwenyu, uye akapika kuti handingayambuki Jorodhani nokupinda munyika yakanaka iyo munopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
22. Ndichafira munyika ino; handichayambuki Jorodhani; asi imi mava kuzoyambuka nokutora nyika yakanaka.
23. Muzvichenjerere kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakaita nemi; musazviitira chifananidzo chorudzi rwechinhu chipi zvakadziviswa naJehovha Mwari wenyu.
24. Nokuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza, ndiMwari ane godo.
25. Mushure mokunge mava navana navazukuru uye magara nguva refu munyika, kana mukazvishatisa nokugadzira chifananidzo chorudzi rupi zvarwo, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu muchimuita kuti ashatirwe,
26. ndinodana denga napasi sezvapupu pamusoro penyu nhasi, kuti muchakurumidza kuparara kubva panyika yamuri kuyambukira Jorodhani kuti ive yenyu. Hamungagarimo nguva refu asi muchaparadzwa zvirokwazvo.