Dhuteronomi 32:43-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

43. Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake.

44. Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa.

45. Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose,

46. akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu.

47. Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”

48. Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati,

Dhuteronomi 32