6. Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
7. Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda.
8. Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi norudzi rwehafu rwaManase kuti ive nhaka yavo.
9. Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita.
10. Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri,
11. pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu nokukuchererai mvura.
12. Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko,
13. kuti akusimbisei nhasi sorudzi rwake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho.
14. Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete,
15. imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi.
16. Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano.
17. Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe.
18. Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro.