Dhuteronomi 27:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.”

9. Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu.

10. Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.”

11. Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti:

12. Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimi kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini.

13. Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari.

14. VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti:

Dhuteronomi 27