23. Uye kana vari vaAvhi vakange vagere mumisha kusvikira Gaza, vaKafitori vaibva Kafitori vakavaparadza ndokugara munzvimbo yavo.)
24. Budai zvino muende, muyambuke mupata weArinoni. Tarirai ndakaisa muruoko rwenyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake. Tangai kuitora mugorwa naye.
25. Nhasi chaiye ndichatanga kuvhundutsa nokutyisa ndudzi dzose dziri pasi pedenga nokuda kwenyu. Ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu vagodedera nokutya kwazvo pamusoro penyu.
26. Ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni ndichikumbira rugare, uye ndikati,
27. “Titenderei kuti tipfuure nomunyika yenyu. Tichafamba nenzira huru; hatizotsauki kurudyi kana kuruboshwe.
28. Mutitengesere zvokudya nemvura yokunwa nomutengo wazvo wesirivha. Chingotitenderai henyu kuti tipfuure netsoka,
29. sezvatakaitirwa navana vaEsau vagere muSeiri, nevana vaMoabhu, vagere muAri. Kusvikira tayambuka Jorodhani tichipinda munyika iyo yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.”