Dhuteronomi 14:8-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Nguruvewo haina kuchena; kunyange zvayo ina mahwanda akaparadzana, haidzeyi. Hamufaniri kudya nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo.

9. Pazvipuka zvose zvinogara mumvura, mungadya henyu zvose zvine zvimbi namakwande.

10. Asi chipi nechipi zvacho chisina zvimbi namakwande hamufaniri kudya; nokuti hachina kuchena.

11. Mungadya henyu shiri ipi neipi yakachena.

12. Asi dzamusingafaniri kudya ndeidzi: gondo, gora, gora dema,

13. njerere tsvuku, njerere nhema, rukodzi namarudzi arwo,

14. gunguwo namarudzi aro ose,

15. zizi renyanga, kazizimbori, shiri yegungwa, namarudzi ose eruvangu,

16. zizi duku, zizi guru, zizi jena,

17. zizi romurenje, hukurwizi nekanyururahove,

18. neshuramurove namarudzi ose ekondo, nemhupupu uye nechiremwaremwa.

19. Zvipuka zvose zvina mapapiro zvinokambaira hazvina kuchena kwamuri; hamufaniri kuzvidya.

20. Asi zvipuka zvose zvina mapapiro zvakachena mungadya henyu.

21. Musadya chii zvacho chamunoona chakafa. Mungapa zvenyu kumutorwa agere mune rimwe ramaguta enyu, uye angadya zvake kana kuti mungatengesera zvenyu kumutorwa. Asi imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

Dhuteronomi 14